Ndinokuchingamidzai vaYera Soko Murehwa, VaShawasha, vakabva Guruuswa II, pano ndinokumbirisa chaizvo kuti kana paine vaneruzivo redzinza ravo kubvira pakapedzisirwa naBaba Joshua Chidziva, ndapota hangu wanai nguva nerudo rweVaShawasha munyore pasi nhorondo idzi tigodzisanganisa pano paChiro tiwane kupa mhuri dzedu dzakapararira gwaro rehupenyu.
Hongu zvinonetsa asi tikashinga tinokunda. Mazuva ano kune maDzinhare Mbozha munokwanisa kutapa vakuru vachirondedzera tobatsirana kuita kuti zviverengeke. Kana Muine Mifananidzo yevakuru ava nemaVideo please unzai tigowana huchi hwe dzidziso dzeDzinza redu.
Ndinotenda kunevakanyora kare kunyaya Mukutsiri naGotora vamwe nyoraiwo tigozviisa pano. Ndichada kuti tigonyatsoita chiro chino chikure chigokwanisa kutakura zvakawanda kusanganisira mapikicha.
Ndinotenda Mugagami
I wish you can create a page on Facebook sharing this amazing blog
Ndoera soko Murehwa ndiriwekwaMutongi kuBuhera Dorowa
Its there VaShawasha – Chinamora Clan