Uncategorized Simon Chidziva – Chief Chinamora 2015 August 5, 2017August 5, 2017by Wafanenhombo Simon was of the house of Chidziva and he died (it is said of diabetes) in 2015 Share this:TwitterFacebookLike this:Like Loading... Related
Vashawasha ngatiise nhoroondo dzemhuri dzedu padare rino. Izvi zvinobatsira kuti tizivive kuti iva ndibaba, uyu mukoma, uyu munin’na. Uye uyu mwana. Mangwana tikazenge togara matare eHushe hazvizonetsi. Dzinza reVashawasha zvinonzi mudiki ahagare Hushe pachine vakuru. Uye tikaisa mhuri dzedu nehuwandu hwadzo mhuri dzichaziva vekuroorana navo. Izvi zvakakoshesesa kuVashawasha. Kwete kuti mumba, murume babaiwe Chiringo, mudzimai zvimwechetezvo. Nekudaro vana vaChinamhora ngatiite kuti ruzhinji rwedzinza rwuzive nezvedare rino. Vana asekuru, ana baba, vana asamukadzi, vakoma, vanin’na, hanzvadzi nevana ndinoti kwamuri mose: Mapopoma nemafashamu emaropafadzo. Reply
Vashawasha ngatiise nhoroondo dzemhuri dzedu padare rino. Izvi zvinobatsira kuti tizivive kuti ava ndava sekuru, ava ndibaba, ava asamukadzi, ava mukoma, uyu munin’na, uyu ihanzvadzi, uye uyu mwana. Mangwana tikazenge togara matare eHushe hazvizonetsi. Dzinza reVashawasha zvinonzi mudiki ahagare Hushe pachine vakuru vemumba. Uye tikaisa mhuri dzedu nehuwandu hwadzo mudare rino, dzichazivazve vekuroorana navo. Izvi zvakakoshesesa kuVashawasha. Kwete kuti mumba, murume babaiwe Chiringo, mudzimai zvimwechetezvo. Nekudaro vana vaChinamhora, ngatiite kuti ruzhinji rwedzinza rwuzive nezvedare rino, nekukanda nhoroondo nehuwandu hwedu. Vana asekuru, ana baba, vana asamukadzi, vakoma, vanin’na, hanzvadzi, vana nevazukuru ndinoti kwamuri mose: Mapopoma nemafashamu emaropafadzo. Reply
Mhuri Chinamhora In ndinonzi Archibald Zheke Gotora. Ndakaberekwa 30 March 1967 Chitimbe Clinic mudunhu reUzumba raMambo Nyajina. Ndakakurira mubhuku medu maGotora munova mandigere nanhasi, muUzumba. Hre ndakagara Glen View 3, Warren Park D, Kuwadzana. Parizvino ndazorora ndiri Dzivarasekwa 1. Kubva pana Tumbudu ndiri wemhuri yegumi nevaviri. Sekunyora kwandakaita ndichitaurira nemamwe madzitateguru andakakwanisa kukurukura nawo. Ndakakwanisa kunyorawo kusvika pamhuri yevana vegeneration yangu. Ndineurombo kuhanzvadzi dzedu, nekusaisa vana vavo munhoroondo. Ndakafunga kuti, vanopindawo kune dzeMadzinza avo. Tumbudu-Nemango-Tingini-Dereregodzonga-Chaitezvi-Mhembere-Chidziva-Gweshe Mazarura-Mushonga Gotora-Zheke-Chakawarika-Archibald Tateguru Mushonga Gotora ndivo vakabva kwaGweshe Mazarura kwaMusana. Mambo Musana mukuwasha weVashawasha. Joel Nyarumwe anove Mambo Musana nhasi mai vakwe mubvana waKaseke ari Uzumba. Nhasi ukaenda kwaMazarura, kwaMusana kuna Kaseke. Mazita aya anonzi mazita egombwa reVashawasha. Parizvino mudunhu reUzumba mune mabhuku gumi eVashawasha. 1.Gotora ‘A’ (wemba yaChidziva) 2.Gotora ‘B’ (wemba yaChidziva) 3.Machanzi (wemba yaChidziva) 4.Chimina (wemba yaChidziva) 5.Nezou Kaseke, (wemba yaChidziva) 6.Gwaze (wemba yaChidziva) 7.Chirema (wemba yaNzvere) 8.Mudarikwa, andina kupiwa imba 9.Mbizi, andina kupiwa imba 10.Kakova, andina kupiwa imba Ndichakurudzira veDzinza ava kuti vakande nhoroondo dzavo mudare. Mapopoma nemafashamu emaropafadzo mose. Reply
Vashawasha ngatiise nhoroondo dzemhuri dzedu padare rino. Izvi zvinobatsira kuti tizivive kuti iva ndibaba, uyu mukoma, uyu munin’na. Uye uyu mwana.
Mangwana tikazenge togara matare eHushe hazvizonetsi. Dzinza reVashawasha zvinonzi mudiki ahagare Hushe pachine vakuru. Uye tikaisa mhuri dzedu nehuwandu hwadzo mhuri dzichaziva vekuroorana navo. Izvi zvakakoshesesa kuVashawasha.
Kwete kuti mumba, murume babaiwe Chiringo, mudzimai zvimwechetezvo. Nekudaro vana vaChinamhora ngatiite kuti ruzhinji rwedzinza rwuzive nezvedare rino.
Vana asekuru, ana baba, vana asamukadzi, vakoma, vanin’na, hanzvadzi nevana ndinoti kwamuri mose:
Mapopoma nemafashamu emaropafadzo.
Vashawasha ngatiise nhoroondo dzemhuri dzedu padare rino. Izvi zvinobatsira kuti tizivive kuti ava ndava sekuru, ava ndibaba, ava asamukadzi, ava mukoma, uyu munin’na, uyu ihanzvadzi, uye uyu mwana.
Mangwana tikazenge togara matare eHushe hazvizonetsi. Dzinza reVashawasha zvinonzi mudiki ahagare Hushe pachine vakuru vemumba. Uye tikaisa mhuri dzedu nehuwandu hwadzo mudare rino, dzichazivazve vekuroorana navo. Izvi zvakakoshesesa kuVashawasha.
Kwete kuti mumba, murume babaiwe Chiringo, mudzimai zvimwechetezvo. Nekudaro vana vaChinamhora, ngatiite kuti ruzhinji rwedzinza rwuzive nezvedare rino, nekukanda nhoroondo nehuwandu hwedu.
Vana asekuru, ana baba, vana asamukadzi, vakoma, vanin’na, hanzvadzi, vana nevazukuru ndinoti kwamuri mose:
Mapopoma nemafashamu emaropafadzo.
Mhuri Chinamhora
In ndinonzi Archibald Zheke Gotora. Ndakaberekwa 30 March 1967 Chitimbe Clinic mudunhu reUzumba raMambo Nyajina. Ndakakurira mubhuku medu maGotora munova mandigere nanhasi, muUzumba. Hre ndakagara Glen View 3, Warren Park D, Kuwadzana. Parizvino ndazorora ndiri Dzivarasekwa 1.
Kubva pana Tumbudu ndiri wemhuri yegumi nevaviri. Sekunyora kwandakaita ndichitaurira nemamwe madzitateguru andakakwanisa kukurukura nawo. Ndakakwanisa kunyorawo kusvika pamhuri yevana vegeneration yangu.
Ndineurombo kuhanzvadzi dzedu, nekusaisa vana vavo munhoroondo. Ndakafunga kuti, vanopindawo kune dzeMadzinza avo.
Tumbudu-Nemango-Tingini-Dereregodzonga-Chaitezvi-Mhembere-Chidziva-Gweshe Mazarura-Mushonga Gotora-Zheke-Chakawarika-Archibald
Tateguru Mushonga Gotora ndivo vakabva kwaGweshe Mazarura kwaMusana. Mambo Musana mukuwasha weVashawasha. Joel Nyarumwe anove Mambo Musana nhasi mai vakwe mubvana waKaseke ari Uzumba. Nhasi ukaenda kwaMazarura, kwaMusana kuna Kaseke. Mazita aya anonzi mazita egombwa reVashawasha.
Parizvino mudunhu reUzumba mune mabhuku gumi eVashawasha.
1.Gotora ‘A’ (wemba yaChidziva)
2.Gotora ‘B’ (wemba yaChidziva)
3.Machanzi (wemba yaChidziva)
4.Chimina (wemba yaChidziva)
5.Nezou Kaseke, (wemba yaChidziva)
6.Gwaze (wemba yaChidziva)
7.Chirema (wemba yaNzvere)
8.Mudarikwa, andina kupiwa imba
9.Mbizi, andina kupiwa imba
10.Kakova, andina kupiwa imba
Ndichakurudzira veDzinza ava kuti
vakande nhoroondo dzavo mudare.
Mapopoma nemafashamu emaropafadzo mose.