Kudetembwa kwanaSoko Murehwa

How we are thanked

 

Maita Soko
Murehwa
Zvaitwa, Matarira;
Soko yangu yiyi
Maita Marovahombe
Mwana webveni
Chirongo
Zvaitwa Tateguru
Zvaitwa Wagutahuzamura
Maita zvenyu Vari Makoromokwa
VaGurusvusvu
Vana vaGurumwandira

Maita VaRisinamhapa
VaNhambatsva
Vachitamba neruwere
Vamahobi anenge rihwa

Zvaitwa Mukuruvara
Mushonganamawere
Kuziva zvenyu, VaNhombatsva
Mvurume

Maita Mwana waPfumojena
muranganepfumo
Mugagami
Vane meso anoendaenda
kunge zangira remukaka

Maita VaJena
Chirongo changu chichi
Vane kufamba kunenge kukavira nyimo
Kutizira kuchinge kudyara nzungu
Makudzagwara
Vanorarama nezvokuba

Maita Vari Mandiya
Vari Kaporomondo
Zvaitwa WaBveni
Wakakumba dzose netsombori
nehwenya
nohowa
matunduru namatamba
Vana vaNzvere
VaKanorimona
mhanza ichipenya
semheni yemvura yemunhurukwa
Vorutovatova
Pambambarize maiti mobviswa, maiti “Ndofira pano”
Pamasvosve maitakura chara negumbo
VaHunye Mukonde
Muchinamira ruware somunobika kana kupakura sadza

Mava pashongwe, mokarara, mukono waTingini
wakabva Mahumwi
kwakarera mukanwa nemunyu
Vane vhudzi risingapumhwi
VaMushambanezhizha

Zvaitwa Mwana waTingini
ari Mahumwi
anokwira Rupara nemeno

Hekani Chirongo
Aiwa zvaitwa

Zvaonekwa Mugagami

Eee, maita Shoko Vhudzijena

Ewoi Soko,

Vhudzijena, Mukanya

Hekanhi Mbereka

Makwiramiti, mahomu-homu

Vanopona nekuba

Vanamushamba negore

Makumbo mana muswe weshanu

Hekani Soko yangu yiyi

Vakaera mutupo umwe nashe

Vana VaPfumojena

Vakabva Guruuswa

Soko Mbire yaSvosve

Vanobva Hwedza

Vapfuri vemhangura

VekuMatonjeni vanaisi vemvura

Zvaitwa matarira vari mumabwe

Mhanimani tonodya, svosve tichobovera

Maita zvenyu rudzi rukuru

Matangakugara

Vakawana ushe neuchenjeri

Vakufamba hujeukidza kwandabva

Pagerwe rinongova jemedzanwa

Kugara hukwenya-kwenya

Vari mawere maramba kurimba

Vamazvikongonyadza kufamba hukanyaira

Zvibwezvitedza, zvinotedzera vari kure

Asi vari padyo vachitamba nazvo

Zvaitwa mukanya rudzi rusina chiramwa

Maita vari Makoromokwa, Mugarandaguta

Aiwa zvaonekwa Vhudzijena

Leave a Reply

Fill in your details below or click an icon to log in:

WordPress.com Logo

You are commenting using your WordPress.com account. Log Out /  Change )

Facebook photo

You are commenting using your Facebook account. Log Out /  Change )

Connecting to %s