How we are thanked
Maita Soko Maita VaRisinamhapa Zvaitwa Mukuruvara Maita Mwana waPfumojena Maita VaJena Maita Vari Mandiya Mava pashongwe, mokarara, mukono waTingini Zvaitwa Mwana waTingini Hekani Chirongo Zvaonekwa Mugagami |
Eee, maita Shoko Vhudzijena Ewoi Soko, Vhudzijena, Mukanya Hekanhi Mbereka Makwiramiti, mahomu-homu Vanopona nekuba Vanamushamba negore Makumbo mana muswe weshanu Hekani Soko yangu yiyi Vakaera mutupo umwe nashe Vana VaPfumojena Vakabva Guruuswa Soko Mbire yaSvosve Vanobva Hwedza Vapfuri vemhangura VekuMatonjeni vanaisi vemvura Zvaitwa matarira vari mumabwe Mhanimani tonodya, svosve tichobovera Maita zvenyu rudzi rukuru Matangakugara Vakawana ushe neuchenjeri Vakufamba hujeukidza kwandabva Pagerwe rinongova jemedzanwa Kugara hukwenya-kwenya Vari mawere maramba kurimba Vamazvikongonyadza kufamba hukanyaira Zvibwezvitedza, zvinotedzera vari kure Asi vari padyo vachitamba nazvo Zvaitwa mukanya rudzi rusina chiramwa Maita vari Makoromokwa, Mugarandaguta Aiwa zvaonekwa Vhudzijena |